Hondo
Ndakaenda kuhondo
Ndaive naye hondo
Ndakafema mweya wake
Ndakabata mapendekete arufu
Ndikarara naye, akandipa njovhera mupfungwa.
Ndakaenda kuhondo
Ndaive naye hondo
Ndakatsvoda ndikapuruzira mabhambu
Ndakauchirira mhere dzevaifa ndichinakidzwa.
Zvino ndonzwazve
Kuti mati mave kutangazve imwe hondo!
Imbomirai zvishoma, mirai
Ini, ndipindureiwo
Munoda kuti ndife kangani
Kuti muzive kuti ndakafa?
Hamuoni honye dzakakora here
Dziri kutakanyika dzichibva mumuromo mangu
Ipo pano pandiri kutaura neni?