Hwayi nemapere
Hwayi hwayi huyai
Tinotya
Munotyeiko
Mapere
Mapere akaenda Hwedza . . .
Ndasuwa mhepo yakachena
Mhepo isina hutsi hwemota nefodya,
Ndasuwa mapani nemaruva esango
Zvakasubvurwa nemidhuri mirefu-refu
Ndinoona vana vakachenuruka mumigwagwa
Vachitamba, vachitandanisana nekubvutirana
Condom ravanhonga vakafuridza sechibharuma
Makondomu akasimba, haabvaruke
Anokwanisa kutakura malitre matatu emvura . . .
Ndinovheyesa meso angu serwaivhi
Ndichitsvaga nyuchi, mikonikoni nemashavishavi
Ndichitsvaga rukodzi runozeya mumakore
Asi chandinoona ihangaiwa dzinodya zvihwitsi
Ndinoona gunguwo rakaruma gaba reyoghurt
Ndinoshevedzera, munhu, munhu
Asi hapana anondidaira mubishi rino
Hapana wandinowana mumakondomu muno
Muzere zvitai-tai nema ringing tones
Magweta, maprofessor nedzimwe nyanzvi
Dzinofunga kuti munhu ari mumabhuku
Ndiye mumwe chete neanofamba . . .
Ndiyani iyeye akati mapere akaenda Hwedza?