Amerika
Ndisiyei ndiite mai vangu mukadzi
Ndiregei ndirare nehanzvadzi yangu
Ndisiyei ndigozvishambadzira nyika paTV
Vanhu vagondiuchirira nekundirumbidza
J Lo akanogadzirwa, kuti magaro akure
Asi madhodhi aanoita achingori mamwe chete.
Sarudzo, sarudzo, sarudzo mwana wamai
Ndakanotora mbeu yedonor kusperm bank
Dai mwana akangofanana nababa vake!
Ngatisaviga vafa, avo vane mbiri pakati pedu
Idzo nyenyedzi dzedu nedziri pamureza wedu
Kuti rudzi rwedu rurarame nekusingaperi.
Mwari wenyu wamunovimba naye ndeupi?
Nyenyedzi chaidzo dzisingadzime dziri kudenga.