previous | next
 
 
 

MURUME WANGU WAKAONEKIO?
Murume wangu moyo wako washanduka
Hauchisiri murume wandinoziva uya
Ko, moyo wako wasviba kudaro neiko?
Tarira ini nevana vako tava kukutya
Kungokuona tinobva taunduka sehuku yanaiwa
Kwete pamusoro pechando asi kukutya chete
Nokuti moyo wako washanduka murume wangu

Asi wakaonei chaizvo murume wangu?
Zvauriwezve waimbova muzinda wetsitsi
Uzere norudo rukuru kwazvo
Uchindibata zvakanaka somumwe wako
Uchifara nevana vako nguva nenguva
Uri nyeredzi inovhenekera mhuri yako neni
Bva ikozvino wava chikara chinovengwa nevana
Asi murume wangu wakaoneiko chaizvo?

Uchibva kubasa unouya uchivhundutsa vanhu
Mazuva mazhinji unouya uchidaro
Paunongoti pfacha vana vanobva vanovata
Nenivo mufaro unokuva samazhanje.
Ndangoti zii sechimumumu
Nokuti mashoko ako aitapira ave kuvava.
Chiso chako chaifadza nhasi chotyisa
Asi waoneiko chaizvo murume wangu?

Iwevo wakanga wapindwa neiko?
Zvauriwezve waimboti usaterera zvavanhu
Uchiti kune vamwe vanoputsa misha yevamwe
Chiona nhasi ndiwe woputswa.
Siya moyo uyu udzokere kuunhu kwahwo
Nokuti wava kutisvooresa nenyika.

Neshamwari chaidzo handichina
Nokuda kweako mabasa.
Vose vava kungoti ndiwe wakadyisa murume
Nokuti vanoziva tsika dzako dzakare.
Asi wakambopindwa nei chaizvo?

Kuda mweya yerima in ongofamba
Bva kana iriyo tichatoifambira.
Nokuti washanduka chaizvo murume wangu.

Editor's Note: A woman laments the change of behavior in her husband. Once a loving husband and caring father, he has become evil and is cruel to his family, to the extent that the children tremble with fear in his presence and run to bed when they hear him come home from work. The family see him as a monster while friends and neighbours blame his wife, thinking she has given him a love portion to change him. And so the wife asks, “What has gotten into you, my husband?”