previous | next
 
 
 

Ndambakuudzwa
Atova matakwengura
Pfuko yemhedziso
Misodzi yojuja mhere ichirira
Vorudenha ruya runovhundutsa
Vose muhana hwangova ubwaka-bwaka
Harahwa dzodedera,
Chembere dzichiguwa
Baba vongomocha, amai vatoshoshoma
Waenda mukorore wavo,
Rambakudzimbwa.

Kudzora takamboedza
“Kumhunga hakunepwa!”
Asi taitaura nedzinzinzi
Edu mashoko aive anovava
Zvino taigodii?
Mufaro mwena, ukatevedza unoguma.

Ngozi zvinoyatangira pauri
Zviri nani iwe warumwa nechekuchera
Ko vana vawagarisa parufuse?
Kuvasikira ngozi yerombe
Ichovaita mutemarege wembada
Mabasa awatisiira makukutu
Hapana anoziva pekutangira.