previous | next
 
 
 

Murume Wangu
Ndivo baba vevana vangu
Ndiye musimboti wemba yangu
Ndiwo musoro nashe wangu
Ndiye mutungamiriri wemhuri yangu
Ndiye muchengeti nomuriritiri wayo
Ndiye zvake murume wemhiko dzangu

Urume hausi mumudhebhe
Vazhinji vari mairi vakadzi vega vega
Hausi muzwi gobvu, bodo.
Kudzvoverawo kwakauyiswa nezera
Hausi muhasha dzisina maturo
Vakawanda vanodaro kuvanza umbwende huri mukati

Urume hunotoshandirwa haungoerekani hwavapo
Hunotovakwa nepfungwa dzinopinza, dzinoronga
Dzinogona kuita sarudzo dzine musoro nenguva pfupi
Dzinokwanisa kuvaka imba vanhu vagoyemura
Dzinogona kutarisirwa nevari pasi vachiremekedza
Dzinogona kutungamira vamwe vagotodawo kutungamirwa

Mukadzi wose anodawo kuroorwa nemurume chaiye
Haadi mumwe mukadzi akangopfeka midhebhe
Sekungotiwo murume haadi kuroora murume akasimira dhirezi
Pane akadaro – anonzi murume, anoyemurika
Mhangami inofambisa zvinhu zvemhuri yayo
Inovimbwa nayo pose zvapo painenge iri

Nyika inomiswa nevarume vakadai
Mabasa anobuduririswa nemhando iyoyi
Vane unhu hunozadza mukombe
Vane pfungwa nemaoko zvisingateti basa
Zvavanoita zvinobudirira nguva dzose
Isu madzimai ndivo varume vatinotsenhurira mipururu.